Monday, 23 July 2007

Zvaita Sei?


Zvaita sei?


Maidanana zvaiyevedza chaizvo
Vamwe vaifara nazo
Vamwe vaibhowekana
Asi rudo rwenyu haruna kupera
Kusvika pakuroorana
Aiwa zvakafadza chose
Muchata takatamba
Vanhu vakafara zvese nekumwa
Chikafu vanhu vakadya
Vane majerasi zvakashaya basa
Asi Iye zvino zvaitasei

Chorus
Zvaitasei x3
Mumba umu
Zvaitasei x3
baba vabhoi
zvaitasei
amai bhoi

Mumba hamuchina mufaro
Bopoto harichaperi
Chikonzero chiiko
Mave nevana vaviri
Rudo hapachisina
Rwakadyiwa neiko
Zvaita sei

Nhai baba vabhoyi
Maakufambidzna nasecretary
Mumba hamucharari
Chikafu hamuchadya\hanzi ndadya kudinner kubasa
Kunyeba hakuchaperi
Zvaita seiko
Oh! no no no
Zvaita sei

To chorus

Ko imi amai bhoyi
Nguva nemurume hamuchina
Every weekend kubaby shower
kana kukitchen tea

Hanzi sisi vachabika
zvese zvese ndisisi
masokisi ababa ndisisi
Kuwaridza mubhedha ndisisi
Oh no no no
Zvaita sei

No comments yet